Exodus 25:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ita ʋo tafura yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo makubiti maʋiri, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uite tafura namatanda omuakasia yakareba makubhiti mavirie, kubhiti rimwe chetef paupamhi uye kubhiti nehafug pakukwirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Unofanira kugadzira teburu yamapuranga omuunga. Kureba kwayo ngakuite masendimita makumi masere ana masendimita masere, kufara kwayo kuchiita masendimita makumi mana ana masendimita mana, udzami hwayo huite masendimita makumi matanhatu ana masendimita matanhatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Itawo tafura yamatanda omuakasia; kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
Shona 2009?
"Itawo tafura yamatanda omuakasia, kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
Shona SUB 2002 Bible
“Itawo tafura yamatanda omuakeshia; kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.