Exodus 25:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuita ʋo cigadziko cemŋenje cendarama yakaiȿo‐naka; cigadziko ciitwe nendarama yakapambadzirwa, cigadziko caco, nehunde yaco, neɀimbiya ɀaco, namafundo aco, namaruʋa aco; ɀose ŋgaɀiitwe ciʋe cinhu cimŋe naco;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uite chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye ugoipambadzira pasi payo pamwe chete nerwiriko rwayo; mbiya dzayo, mabukira namaruva acho zvichava chinhu chimwe chete nacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Unofanira kugadzira minora, chigadzikiro chomwenje chendarama chaiyo yakanakisisa. Chigadzikiro ichocho pamwechete negaro racho nehunde yacho, ngazvigadzirwe nendarama yakapfurwa. Ugadzire makapu acho namaruva acho akazaruka namamwe asati azaruka, uanamire pachigadzikiro zvibatane.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho;
Shona 2009?
"Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho;
Shona SUB 2002 Bible
“Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho;