Exodus 25:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgapaʋe neɀimbiya ɀitatu ɀakaʋumbga samaruʋa omuamanda paɗaʋi rimŋe, nefundo, neruʋa, neɀimbiya ɀitatu ɀakaʋumbga samaruʋa omuamanda panerimŋe ɗaʋi, nefundo, neruʋa: saiɀoɀo mataʋi matanhatu anoɓuɗa pacigadziko;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mikombe mitatu yakaumbwa samaruva omuarimondi namabukira uye namaruva zvinofanira kuva padavi rimwe chete, matatu kune rimwe davi, uye zvimwe chetezvo kumativi matanhatu ose anotambarara kubva pachigadziko chomwenje.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bazi rokutanga kune rumwe rutivi, ngarigadzirirwe makapu matatu anenge maruva omuarimondi akazaruka nemamwewo asati azaruka. Bazi rechipiri kune rumwe rutivi, ngarigadzirirwewo makapu anenge maruva akazaruka neasati azaruka. Ngazviitwe zvimwechetezvo pamapazi ose ari matanhatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko;
Shona 2009?
Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko;
Shona SUB 2002 Bible
Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuarimondi padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuarimondi pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko;