Exodus 25:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nefundo panyasi pamataʋi maʋiri akaʋumbga pamŋe cete naco, nefundo panyasi pamamŋe mataʋi akaʋumbga pamŋe cete naco, nefundo panyasi pamataʋi maʋiri akaʋumbga pamŋe cete naco, akafanana namataʋi matanhatu anoɓuɗa pacigadziko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bukira rimwe chete richava pasi pamatavi maviri okutanga anotambarara kubva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri riri pasi pamamwe matavi maviri, uye bukira rechitatu riri pasi pamamwezve pamatavi maviri, mativi ose ari matanhatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pose pose panosangana hunde namapazi maviri nechepasi pawo ose ari matanhatu, ngapanamirwe ruva rimwechete rendarama risati razaruka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamamwe matavi akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu anobuda pachigadziko.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible