Exodus 26:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuitira ʋo mukoʋa wetente cidzitiro ce ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romusoni unogona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Unofanira kugadzira jira rokudzikatirisa rokuisa pamusuo wetendhe. Ngarigadzirwe namachira erineni akanakisisa akarukirwa achishongedzwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Unofanira kuitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona.
Shona 2009?
"Unofanira kuitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona.
Shona SUB 2002 Bible
“Unofanira kuitirawo mukova wetende keteni rezvakarukwa zvitema, nezvishava nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona.