Exodus 26:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uite ɀiswe ɀitema pamupendero wejira rimŋe rokupedzisira panaakaɓatanidzwa pamŋe cete; ugoita ʋo saiɀoɀo pamupendero wejira rokupedzisira panaakaɓatanidzwa ɀe pamŋe cete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wejira zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nejira rokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usungewo zvishwe zvomucheka woruvara rwedenga pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, uite saizvozvo pamupendero wejira rokunzekunze pamachira echipiri aya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uite zvishwe zvitema pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; ugoitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwazve pamwechete.
Shona 2009?
Uite zvishwe zvitema pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; ugoitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwazve pamwechete.
Shona SUB 2002 Bible
Uite zvishwe zvitema pamupendero wejira rimwe rokupedzisira pana akabatanidzwa pamwechete; ugoitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira pana akabatanidzwazve pamwechete.