Exodus 26:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uɓatanidze macira mashanu pamŋe cete, namacira matanhatu pamŋe cete, ugopeta jira recitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetente.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ubatanidze machira mashanu pamwe chete aite chinhu chimwe chete uye mamwe matanhatu avewo chinhu chimwe chete. Upete jira rechitanhatu kaviri pamberi petende.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamachira iwayo, mashanu acho ngaasonanidzwe pawo oga, matanhatu acho asonanidzwewo ari pawo oga. Jira rechitanhatu rinopfuurira nechepamusuo petendhe ngaripeterwe padenga ruviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ubatanidze machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechete, ugopeta jira rechitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetende.
Shona 2009?
Ubatanidze machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechete, ugopeta jira rechitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetende.
Shona SUB 2002 Bible
Ubatanidze machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechete, ugopeta jira rechitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetende.