Exodus 27:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuraira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaʋuye kwauri namafuta omuorivi akaiȿo‐naka akaȿinhiwa omŋenje, kuti avenekese mŋenje ŋguʋa dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iti vaIsiraeri vakupe mafuta akanakisisa eorivhi, okudira mumarambi echigadzikiro chomwenje achagara akatungidzwa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Unofanira kuraira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akasvinhiwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.
Shona 2009?
"Unofanira kuraira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.
Shona SUB 2002 Bible
“Unofanira kuraira vana VaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akavhenganiswa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.