Exodus 27:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutente rokusoŋgana, kunze kwecidzitiro ciri pamberi pecipupuriro, Aroni naʋanakomana ʋake ŋgaʋaugadzire’mo pamberi paJehova, kubva pamaɗekwana kuȿikira maŋgwanani; ŋgauʋe mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokumarudzi anotevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mutendhe rokusanganira kuseri kwechidzikatiro pakatarisana nebhokisi rechitenderano, Aroni navanakomana vake vaagadziridze arare achivhenekera paneni Tenzi kubvira manheru kudzamara kwaedza. VaIsiraeri ngavachengete murao wangu iwoyu narini wose pazvizvarwa zvavo zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutende rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana vaIsiraeri.
Shona 2009?
Mutende rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Mutende rokusangana, kunze kweketeni riri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana VaIsiraeri.