Exodus 28:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino uise mabge iwayo maʋiri pamabande apamafudzi eefodi, kuti aʋe mabge okuraŋgaridza ʋana ʋaIsraeri; Aroni ŋgaatakure mazita awo pamberi paJehova pamafudzi ake maʋiri, ciʋe cokuraŋgaridza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye ugoasungirira pamapenga apapfudzi eefodhi ave matombo echirangaridzo kuvana vaIsraeri. Aroni anofanira kutakura mazita aya pamapfudzi ake chive chirangaridzo pamberi paJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unoisa mabwe iwayo ari maviri pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi kuti ave mabwe anomirira marudzi ose avaIsiraeri. Naizvozvo Aroni achatakura mazita iwayo pamapfudzi ake, pana Tenzi kuti ave chiyeuchidzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino uise mabwe iwayo maviri pamabande apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri; Aroni ngaatakure mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chokurangaridza.
Shona 2009?
Zvino uise mabwe iwayo maviri pamabandi apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri; Aroni ngaatakure mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chokurangaridza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino uise mabwe iwayo maviri pamabande apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana VaIsiraeri; Aroni ngaatakure mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chokurangaridza.