Exodus 28:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aroni ŋgaarifuke kana acishumira, kuti kurira kwaɀo kunzwike, kana acipinda panɀimbo tȿene pamberi paJehova, ʋuye kana aciɓuɗa, kuti arege kufa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aroni anofanira kuripfeka paanenge achishumira. Kurira kwamatare kuchanzwikwa paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene pamberi paJehovha uye nepaanenge achibuda, kuitira kuti arege kufa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Aroni anofanira kupfeka hanzu iyoyo paanoita basa roupristi achiuya kwandiri. Tudare twacho tuchange tuchirira paanopinda napaanobuda muNzvimbo Inoera muneni Tenzi kuti arege kufa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Aroni ngaarifuke kana achishumira, kuti kurira kwazvo kunzwike, kana achipinda panzvimbo tsvene pamberi paJehovha, uye kana achibuda, kuti arege kufa.
Shona 2009?
Aroni ngaarifuke kana achishumira, kuti kurira kwazvo kunzwike, kana achipinda panzvimbo tsvene pamberi paJehovha, uye kana achibuda, kuti arege kufa.
Shona SUB 2002 Bible
Aroni ngaarifuke kana achishumira, kuti kurira kwazvo kunzwike, kana achipinda panzvimbo tsvene pamberi paJehovha, uye kana achibuda, kuti arege kufa.