Exodus 28:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuita ʋo ŋguʋo yakarukwa yomuceka wakaiȿo‐naka, ʋuye uite ŋgoani yomuceka wakaiȿo‐naka, ʋuye uite ʋo banhire, riʋe ɓasa romusoni unogona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uruke jasi romucheka wakaisvonaka ugoita nguwani yomucheka wakaisvonaka. Ndaza inofanira kuva basa romuruki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Unofanira kugadzira jira rerineni rakanakisisa rina mavara mavara, usone hembe nengundu nomundya womuchiuno wakarukirwa uchishongedzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Unofanira kuitawo nguo yakarukwa yomucheka wakaisvonaka, uye uite nguwani yomucheka wakaisvonaka, uye uitewo bhanhire, rive basa romusoni anogona.
Shona 2009?
"Unofanira kuitawo nguvo yakarukwa yomucheka wakaisvonaka, uye uite nguwani yomucheka wakaisvonaka, uye uitewo bhanhire, rive basa romusoni anogona.
Shona SUB 2002 Bible
“Unofanira kuitawo nguo yakarukwa yomucheka wakaisvonaka, uye uite nguwani yomucheka wakaisvonaka, uye uitewo bhandi, rive basa romusoni anogona.