Exodus 28:43 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ŋgaafukwe naAroni naʋanakomana ʋake kana ʋacipinda mutente rokusoŋgana, ʋuye kana ʋacisweɗera paartari kushumira panɀimbo tȿene; kuti ʋarege kuɀitorera mhoȿa, ʋakafa; ŋgauʋe mutemo usiŋgaperi kwaari nokuʋana ʋake ʋanomuteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aroni navanakomana vake vanofanira kudzipfeka pose pavanenge vachipinda muTende roKusangana kana kuswedera paaritari kuti vashumire vari muNzvimbo Tsvene, kuitira kuti varege kuva nemhosva vakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aroni navanakomana vake vanofanira kupfeka mabhurukwa iwayo pavanouya mutendhe rokusanganira napavanosvika paatari munzvimbo inoera kuzoita basa roupristi, kana vakasaapfeka vangadaro vakaparara vakafa. Aroni nezvizvarwa zvake zvose zvichauya ngavachengete mutemo iwoyo narini wose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ngaafukwe naAroni navanakomana vake kana vachipinda mutende rokusangana, uye kana vachiswedera paatari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kuzvitorera mhosva, vakafa; ngauve mutemo usingaperi kwaari nokuvana vake vanomutevera.
Shona 2009?
ngaafukwe naAroni navanakomana vake kana vachipinda mutende rokusangana, uye kana vachiswedera paaritari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kuzvitorera mhosva, vakafa; ngauve mutemo usingaperi kwaari nokuvana vake vanomutevera.
Shona SUB 2002 Bible
ngaafukwe naAroni navanakomana vake kana vachipinda mutende rokusangana, uye kana vachiswedera paatari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kuzvitorera mhosva, vakafa; ngauve mutemo usingaperi kwaari nokuvana vake vanomutevera.