Exodus 28:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro, ŋgariitwe saiyo, ʋuye ciʋe cinhu cimŋe cete nayo, iitwe nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhanire rayo rakarukwa noumhizha rinofanira kufanana nayo, rive rebenga rimwe chete neefodhi uye rakagadzirwa newuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unofanira kuiitira mundya wakanyatsorukwa wejira rimwechetero rakagadzirwa zvimwechetezvo wakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku nerineni yakanakisisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwe chete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
Shona 2009?
Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwe chete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nebhandi rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwechete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.