Exodus 29:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndico cinhu caunofanira kuʋaitira kuti uʋaite ʋatȿene, ʋandishumire paɓasa roʋuprista: Utore nzombe imŋe ɗuku; namakondobge maʋiri asinemhoȿa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondohwe maviri asina chaanopomerwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Izvi ndizvo zvauchaita kuna Aroni navanakomana vake paunovateketerera kwandiri kuti vandiitire basa roupristi. Unotora handira ichiri duku imwechete nehondohwe mbiri dzisina chinoshoreka padziri,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupristi: Utore nzombe imwe duku; namakondohwe maviri asina mhosva,
Shona 2009?
"Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa rouprista: Utore nzombe imwe duku; namakondobwe maviri asina mhosva,
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupristi: Utore nzombe imwe duku; namakondohwe maviri asina chipomerwa,