Exodus 29:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino utore ropa renzombe, ugoriisa panyaŋga dzeartari nomunwe wako, ndokuɗururira ropa rose mujiŋga meartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unozotora rimwe ropa rehandira iyoyo, unyike munwe wako urizore pane zvinenge nyanga zviri paatari. Ropa rose rinenge rasara ngaridururirwe pasi munyasi meatari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzeatari nomunwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga meatari.
Shona 2009?
Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzearitari nomumwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga mearitari:
Shona SUB 2002 Bible
Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzeatari nomunwe wako, nokudururira ropa rose mujinga meatari.