Exodus 29:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ucekanye gondobge, nokusuka ʋura bgaro, namakumbo aro, uise iɀoɀo pamŋe cete nenhindi dzaro, nomusoro waro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ucheke gondohwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unocheka-cheka hondohwe iyoyo, wosuka zvose zvomukati mayo namazondo ayo, woisa izvozvo zvose pamwechete namapandi enyama pamusoro wayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo uchekanye gondohwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.
Shona 2009?
Ipapo uchekanye gondobwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo uchekanye gondohwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.