Exodus 29:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino unofanira kutora rimŋe ropa, riri paartari, namamŋe mafuta okuzodza, uɀisase pamsoro paAroni napaŋguʋo dzake, napamsoro paʋanakomana ʋake, napaŋguʋo dzaʋanakomana ʋake, pamŋe cete naye, kuti aʋe mutȿene iye, neŋguʋo dzake, naʋanakomana ʋake, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake, pamŋe cete naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unozotora rimwe ropa riri paatari namamwe mafuta okuzodza, wozvisasa Aroni napahanzu dzake, wozvisasawo vanakomana vake vaanavo napahanzu dzavo. Aroni navanakomana vake vaanavo vacho vanobva vava vatsvene pamwechete nehanzu dzavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paatari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguo dzake, navanakomana vake, nenguo dzavanakomana vake, pamwechete naye.
Shona 2009?
Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paaritari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye.
Shona SUB 2002 Bible