Exodus 29:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
neɓundu rimŋe reciŋgwa, neciŋgwa cimŋe ciɗuku cinamafuta, neciŋgwa cimŋe citete cinobva muɗeŋgu reɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, ɀiri pamberi paJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva padengu rechingwa chakabikwa chisina mbiriso, chiri pamberi paJehovha, utore chimwe chete, nekeke rakavhenganiswa namafuta, uye nechingwa chitete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutswanda ine zvingwa zvisina mbiriso zvakapirwa kuneni Tenzi, unotora chingwa zvacho chimwechete nechimwe chakabikwa namafuta, nechimwe chakati fatata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.
Shona 2009?
nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku china mafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.