Exodus 29:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino uɀibvise pamaʋoko aʋo, uɀipise paartari pamsoro pecipiriso cinopiswa, kuti ciʋe cipo cinonhuwira pamberi paJehova; cipiriso cakaitirwa Jehova pamŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
wozozvitora mumaoko avo wozvipisira paatari kuwedzera chibayiro chokupisa chiya. Chibayiro ichochi chinonhuhwira zvinofadzeni Tenzi, chinopirweni Tenzi chichiita zvokupiswa nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paatari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
Shona 2009?
Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuhwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paatari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.