Exodus 29:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino cityu cinozuŋguzirwa ucitsaure, neɓandauko recipiriso cinosimudzwa, cinozuŋguzirwa nokusimudzwa, ɀegondobge rokugadza naro, kuti ɀiʋe ɀaAroni neɀaʋanakomana ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Unatse mitezo iyo yegondohwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Unoteketerera kwandiri chityu chehondohwe yokugadza ichocho chinenge chavheyeswa chomupiro wokusimudzirwa kuna Mwari nechidya chayo chomugove wavapristi nokuti ndezvaAroni navana vake vakomana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondohwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.
Shona 2009?
Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondobwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondohwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.