Exodus 29:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanofanira kudya iɀoɀo ɀaiyananiswa naɀo, pakugadzwa nokutsaurwa kwaʋo; asi mŋeni ŋgaarege kuɀidya, nokuti ɀitȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanodya zvokudya izvozvo zvomupiro wokupfupira zvitadzo unopirwa pavanoteketererwa kwandiri vachigadzwa. Mumwe munhuwo zvake haabvumirwi kuzvidya nokuti zvinoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene.
Shona 2009?
Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene.