Exodus 29:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuita mazuʋa manomŋe pakuyananisira artari, nokuitsaura; kuti artari iʋe tȿene kwaɀo, ʋuye ɀose ɀinoɓata paartari ɀinofanira kuʋa ɀitȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwamazuva manomwe, pira zvibayiro zvokupfupira atari uchiitira kuti ive inoera. Atari ichava inoera kwazvo. Chii zvacho chinenge chazogunzvana neatari chinobva chava chinoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira atari, nokuitsaura; kuti atari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paatari zvinofanira kuva zvitsvene.
Shona 2009?
Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira aritari, nokuitsaura; kuti aritari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paaritari zvinofanira kuva zvitsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira atari, nokuitsaura; kuti atari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paatari zvinofanira kuva zvitsvene.