Exodus 29:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pamŋe cete negwaiana rimŋe unofanira kuisa cipiriso coʋupfu bgakatsetseka bgakaȿika pacegumi ceefa bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta akaȿinhiwa nececinna cehini yewaini, ciʋe cipiriso cinoɗururwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefaa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehinib chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hwayana yokutanga unoipira pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hunenge hwakakanyiwa namafuta okusvina eorivhi anoita rita rimwechete, udire rita rimwechete rewaini uve mupiro wokuteura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasvinhiwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.
Shona 2009?
Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.
Shona SUB 2002 Bible
Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akavhenganiswa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.