Exodus 29:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rimŋe gwaiana uriɓayire maɗekwana, uriitire seɀawakaitira cipiriso coʋupfu camaŋgwanani, neɀawakaitira cipiriso caro cinonwiwa, kuti ciʋe cipiriso cinonhuwira, cipiriso cakaitirwa Jehova pamŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ubayire rimwe gwayana madekwana pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hwayana yechipiri unoipira manheru pamwechete noupfu hwomupiro wembesanwa newaini yomupiro wokuteura sezvinenge zvaitwa pamupiro wamangwanani nokuti mupiro iwoyu unonhuhwirira zvinofadza, unopirwa kuna Tenzi uchiita zvokupiswa nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinonwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
Shona 2009?
Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinomwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuhwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
Shona SUB 2002 Bible
Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinonwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.