Exodus 3:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsrareri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?”
Shona 2009?
Ipapo Mozisi kuna Mwari, "Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, `Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,' ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?' Ndichatiyi kwavari?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana VaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?”