Exodus 3:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akati ʋo kunaMosesi: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakandituma kwamuri; ndiro zita raŋgu nokusiŋgaperi, ndiro zita raʋacandiraŋgarira naro kuȿikira kumarudzi ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kumarudzi ose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akataurirazve Mosesi achiti, “Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Tenzi, Mwari wamadzitateguru enyu, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu narini narini. Zvizvarwa zvenyu zvose zvichandidaidza nezita irori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akatiwo kuna Mosesi, “Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.
Shona 2009?
Mwari akatiwo kuna Mozisi, "Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari walsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akatiwo kuna Mosesi, “Unoti kuvana VaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.