Exodus 3:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Enda, undoʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, wakaɀiratidza kwandiri, akati: Ndakakushanyirai ɀirokwaɀo, ndikaʋona iɀo ɀamakaitirwa Egipita;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Enda undounganidza vakuru vavaIsraeri ugoti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwandiri uye akati, “Ndakatarira pamusoro penyu uye ndikaona zvakanga zvichiitwa kwamuri muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Enda undokokorodza vakuru vakuru vevaIsiraeri uvati, ‘Tenzi Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho, akazviratidza kwandiri. Akati ndakakushanyirai ndikaongorora zvose zvamuri kuitwa navaIjipiti.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,’ akati, ‘Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;’
Shona 2009?
Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, `Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,' akati, `Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;'
Shona SUB 2002 Bible
Enda, undounganidza vakuru VaIsiraeri, uti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,’ akati, ‘Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;’