Exodus 3:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mukadzi mumŋe nomumŋe unofanira kukumbira kunowaanogara naye, nokumutorwa unogara mumba make, ʋukomba bgesirveri nobgendarama, neŋguʋo, kuti mufukidze ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; munofanira kutorera ʋaEgipita nhumbi dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nomukadzi upi zvake waagere naye mumba make zvishongo zvesirivha nezvegoridhe uye nguo dzamuchapfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu. Uye saizvozvo muchapamba vaIjipita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo mudzimai mumwe nomumwe ngaakumbire zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu apiwe nomudzimai wechiIjipiti waanogarisana naye mumba kana pamana, apfekedze vana vake vose zvinhu izvozvo. Ndiko kupamba kwamuchaita upfumi hwevaIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo.”
Shona 2009?
Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguvo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo."
Shona SUB 2002 Bible
Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera VaIjipiti nhumbi dzavo.”