Exodus 30:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aroni unofanira kuyananisa panyaŋga dzayo kamŋe cete pagore; unofanira kuyananisa pamsoro payo kamŋe cete pagore, neropa recipiriso ceɀiʋi cinoyananisa, kuȿikira kumarudzi enyu ose; cinhu citȿene kwaɀo kunaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kumarudzi anotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kamwechete pagore, Aroni ngaapire mupiro wokupfupira zvitadzo. Ngaatore ropa rechibayiro chokupfupira zvitadzo arizore pazvinhu zviye zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari. Ngazvigaroitwa gore negore pazvizvarwa zvenyu zvose. Atari iyoyo ngaive inoeresesa iatari kuneni Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Aroni anofanira kuyananisa panyanga dzayo kamwe chete pagore; anofanira kuyananisa pamusoro payo kamwe chete pagore, neropa rechipiriso chezvivi chinoyananisa, kusvikira kumarudzi enyu ose; chinhu chitsvene kwazvo kuna Jehovha.”
Shona 2009?
Aroni anofanira kuyananisa panyanga dzayo kamwe chete pagore; anofanira kuyananisa pamusoro payo kamwe chete pagore, neropa rechipiriso chezvivi chinoyananisa, kusvikira kumarudzi enyu ose; chinhu chitsvene kwazvo kuna Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Aroni anofanira kuyananisa panyanga dzayo kamwechete pagore; anofanira kuyananisa pamusoro payo kamwechete pagore, neropa rechipiriso chezvivi chinoyananisa, kusvikira kumarudzi enyu ose; chinhu chitsvene kwazvo kuna Jehovha.”