Exodus 30:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana uciʋereŋga ʋana ʋaIsraeri, kuti uʋone kuwanda kwaʋo, mumŋe nomumŋe unofanira kupa Jehova rudzikinuro rwomŋeya wake, kana uciʋaʋereŋga; kuti ʋarege kuɓatwa nehosha kana uciʋaʋereŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana mava kuverenga vaIsiraeri, munhu wose ngaabvise mari yokununura upenyu hwake pana Tenzi pamunovaverenga kuti varege kuzowirwa nedenda pamunovaverenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana uchiverenga vana vaIsiraeri, kuti uwone kuwanda kwavo, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwomweya wake, kana uchivaverenga; kuti varege kubatwa nehosha kana uchivaverenga.
Shona 2009?
"Kana uchiverenga vana vaIsiraeri, kuti uwone kuwanda kwavo, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikunuro rwomweya wake, kana uchivaverenga; kuti varege kubatwa nehosha kana uchivaverenga.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana uchiverenga vana VaIsiraeri, kuti uwone kuwanda kwavo, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwomweya wake, kana uchivaverenga; kuti varege kubatwa nechirwere kana uchivaverenga.