Exodus 30:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino unofanira kutora mari yokuyananisira kuʋana ʋaIsraeri, ugoripira ɓasa retente rukusoŋgana; kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri pamberi paJehova, kuti mŋeya yenyu iyananisirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unofanira kupiwa navaIsiraeri mari yokununura iyoyo uiendese kundoshandiswa mutendhe rokusanganira kuti ive yokundiyeuchidza vaIsiraeri ini Tenzi kuitira kuti igokununurai upenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino unofanira kutora mari yokuyananisira kuvana vaIsiraeri, ugoripira basa retende rokusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha, kuti mweya yenyu iyananisirwe.”
Shona 2009?
Zvino unofanira kutora mari yokuyananisira kuvana vaIsiraeri, ugoripira basa retende rokusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha, kuti mweya yenyu iyananisirwe."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino unofanira kutora mari yokuyananisira kuvana VaIsiraeri, ugoripira basa retende rokusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana VaIsiraeri pamberi paJehovha, kuti mweya yenyu iyananisirwe.”