Exodus 30:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kureɓa kwayo ŋgakuʋe kubiti rimŋe, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe, nhiʋi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ŋgakuʋe makubiti maʋiri, ʋuye nyaŋga dzayo ŋgadziʋe cinhu cimŋe cete nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetea uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti mavirib, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaive nourefu noupamhi hwakaenzana, kureba kwayo ngakuite masendimita makumi mana namashanu, upamhi hwayo ngahuitewo masendimita makumi mana namashanu, kukwira kwayo mudenga ngakuite masendimita makumi mapfumbamwe. Zvitanda zvina zvinenge nyanga zviri nechepamusoro pamakona ayo ngazvivezwe zvakabatana nayo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kureba kwayo ngakuve kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nhivi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti maviri, uye nyanga dzayo ngadzive chinhu chimwe chete nayo.
Shona 2009?
Kureba kwayo ngakuve kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nhivi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti maviri, uye nyanga dzayo ngadzive chinhu chimwe chete nayo.
Shona SUB 2002 Bible
Kureba kwayo ngakuve kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nhivi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti maviri, uye nyanga dzayo ngadzive chinhu chimwechete nayo.