Exodus 30:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani unoveŋganisa mafuta akafanana nawo, ʋuye aninani unoisa mamŋe awo pamutorwa, ŋgaabviswe pakati porudzi rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani anoita mafuta anonhuwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuwana anogadzira mafuta akaita saiwaya kana kudira mafuta anoera aya pamunhu asiri mupristi, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani unovhenganisa mafuta akafanana nawo, uye ani naani unoisa mamwe awo pamutorwa, ngaabviswe pakati porudzi rwake.”
Shona 2009?
Ani naani unovhenganisa mafuta akafanana nawo, uye ani naani unoisa mamwe awo pamutorwa, ngaabviswe pakati porudzi rwake."
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani unovhenganisa mafuta akafanana nawo, uye ani naani unoisa mamwe awo pamutorwa, ngaabviswe pakati porudzi rwake.”