Exodus 31:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ini, tarira ndakagadza pamŋe cete naye Ohoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani; nomumŋoyo yaʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara ndakaisa ʋucenjeri, kuti ʋaite ɀose ɀandakakuraira,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaOhani, kuti amubatsire. Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndasarudzawo Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, wedzinza rokwaDhani kuti abatsirane naBhezareri. Ndapa dzimwe mhizha ungwaru hwokuti dzigone kugadzira zvose zvandakarayira kuti zviitwe zvinoti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumwoyo yavose vane mwoyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira,
Shona 2009?
Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumoyo yavose vane moyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti, vaite, zvose zvandakakuraira,
Shona SUB 2002 Bible
Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumwoyo yavose vane mwoyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira,