Exodus 32:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaciʋona kuti Mosesi wononoka kuɓuruka mugomo, ʋakaʋuŋgana kunaAroni, ʋakati kwaari: Simuka, utiitire ʋamŋari ʋaŋgatituŋgamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi cakaitika naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni uye vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvaitika kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri pavakaona kuti Mosesi agarisa muGomo reSinai anonoka kudzoka, vakaunganira Aroni vachiti, “Dai mukachitigadzirirawo vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesi uyu, nyakutiburitsa muIjipiti, hatichamboziva kuti chii chakamuwira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mosesi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, “Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.”
Shona 2009?
Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mozisi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, "Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika hatizivi chakaitika naye."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mosesi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, “Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.”