Exodus 32:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mosesi akakumbira kunaJehova Mŋari wake, akati: Haiwa, Jehova, shuŋgu dzenyu dziŋgagomukireiko ʋanhu ʋenyu, ʋamakaɓuɗisa munyika yeEgipita nesimba guru ʋuye noruʋoko runesimba:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mosesi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake achiti, “Nhai Tenzi mungagodarireiko kuvirukira vanhu venyu nehasha? Vanhu vamakaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mosesi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba.
Shona 2009?
Ipapo Mozisi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, "Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mosesi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, “Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba.