Exodus 32:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaEgipita ʋaŋgazoreʋa seiko ʋaciti: Wakaʋaɓuɗisira kuneɀakaipa, kuti aʋaʋuraye mumakomo, nokuʋaparadza panyika? Dzorai shuŋgu dzenyu huru, muɀiɗembe pamsoro pokuitira ʋanhu ʋenyu ɀakaipa ɀakaɗai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika.’ Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai uye murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munodirei kuti vaIjipiti vazoti, ‘Tenzi akabvisa vaIsiraeri muIjipiti kuti andovaurayira mumakomo achivatsakatisa panyika zvachose?’ Ndapota zvangu, regai zvenyu kushatirwa. Dai mukarega kuita zvamareva. Musaitire vanhu venyu zvakaipa zvikadaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, ‘Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika?’ Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.
Shona 2009?
VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, `Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika?' Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.
Shona SUB 2002 Bible
VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, ‘Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika?’ Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.