Exodus 32:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mahwendefa iwayo rakaŋga riri ɓasa raMŋari, norunyoro rwakaŋga ruri runyoro rwaMŋari, rwakaŋga rwakatemŋa pamahwendefa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mahwendefa aya rakanga riri basa raMwari; runyoro rwakanga rwuri runyoro rwaMwari, rwakatemwa pamahwendefa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari ndiye akanga agadzira mafendefa iwayo, ndiye pachake akanyora mitemo paari. Mazwi acho akanga akaita zvokutemerwa pabwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mahwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamahwendefa.
Shona 2009?
Mabwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamabwendefa.
Shona SUB 2002 Bible
Mahwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamahwendefa.