Exodus 32:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati asweɗera kumisasa, akaʋona mhuru nokutamba. Ipapo shuŋgu dzaMosesi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiʋa mumaʋoko ake pasi, akaaputsa mujiŋga megomo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati aswedera pamusasa uye akaona mhuru uye nokutamba, kutsamwa kwake kwakavira uye akakanda mahwendefa achibva mumaoko ake, akaaputsa kuita zvidimbu zvidimbu pajinga regomo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakazosvika pedyo namatendhe Mosesi akaona chimhuru chiya navanhu vakanga vachitamba, ndokubva aviruka nehasha. Pakarepo akakanda pasi mafendefa aakanga akatakura ndokubva apwanyika mujinga megomo imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMosesi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.
Shona 2009?
Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMozisi dzikamuka, akakanda mabwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMosesi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.