Exodus 32:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Aroni akati kwaʋari: Gurai ɀindori ɀendarama ɀiri panzeʋe dzaʋakadzi ʋenyu nedzaʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu, muʋuye naɀo kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aroni ndokuvati, “Endai mubvise mhete dzendarama dziri panzeve dzamadzimai enyu nedzavana venyu vakomana navasikana, muuye nadzo kwandiri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Aroni akati kwavari, “Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri.”
Shona 2009?
Zvino Aroni akati kwavari, "Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Aroni akati kwavari, “Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri.”