Exodus 32:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakati aʋona kuti ʋanhu ʋarasha Jehoʋa, nokuti Aroni wakaŋga aʋarashisa, kuti ʋasekwe naʋaʋeŋgi ʋaʋo,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akaona kuti vanhu vakanga vatopenga zvavo uye kuti Aroni akanga avarega vasisazvidzori uye kuti vakanga vava chiseko kuvavengi vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi paakaona kuti vanhu varasika, vaenda mutome nokuti Aroni akanga avarega vachipanduka zvinovashoresa navavengi vavo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,
Shona 2009?
Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,