Exodus 32:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino fume maŋgwana Mosesi akati kuʋanhu: Imi makatadza nokutadza kukuru, asi ɀino ini ndicakwira kunaJehova, ɀimŋe ndiŋgayananisira ɀiʋi ɀenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, “Maita chitadzo chikuru. Asi zvino ndichaenda kuna Jehovha; zvimwe ndingagona kukuitirai yananiso nokuda kwechivi chenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mangwana acho Mosesi akataurira vaIsiraeri kuti, “Imi makatadzira Mwari, nechitadzo chikuru kwazvo, zvino ini ndichadzokera kuna Tenzi, pamwe, ndingagone kumuteta pachitadzo chenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino fume mangwana Mosesi akati kuvanhu, “Imi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu.”
Shona 2009?
Zvino fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, "imwi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino fume mangwana Mosesi akati kuvanhu, “Imi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu.”