Exodus 32:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino cienda, uperekedze ʋanhu ʋaende kwandakaʋaʋudza; tarira, mutumŋa waŋgu ucakutuŋgamirira; asi nomusi wandicaroʋa nawo, ndicaʋaroʋa nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino chienda, tungamirira vanhu kunzvimbo yandakataura nezvayo, uye mutumwa wangu achakutungamirirai. Kunyange zvakadaro, nguva yokuti ndirange painosvika, ndichavaranga nokuda kwechivi chavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino chienda undotungamirira vanhu vaende kunyika iya kwandakakuudza. Mutumwa wangu achakutungamirira. Asi zuva randichavabvakachira ndichavarangira chitadzo chavo ichochi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira; asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo.”
Shona 2009?
Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira; asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo.”