Exodus 32:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaɀigamucira pamaʋoko aʋo, akaɀiʋeza nenhumbi yokuʋeza nayo, akaita naɀo mhuru yakaʋumbga. Iʋo ʋakati: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aroni akadzitambira akadzinyungurutsa, ndokugadzira nadzo chimhuru chendarama. Ivo ndokuti, “Onai vaIsiraeri! Havanoi vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, “Ndivo vamwari venyu, imi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.”
Shona 2009?
Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, "Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, “Ndivo vamwari venyu, imi VaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.”