Exodus 32:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakurumidza kutsauka panzira yandakaʋaraira, ʋakaɀiitira mhuru yakaʋumbga, ʋakainamata, ʋakaiɓayira ɀiɓayiro, ʋaciti: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti vachimbidzosiya gwara randakati vatevere. Vakatora ndarama vakagadzira chimhuru chavari kunamata. Vatopira handira yacho mipiro vachiti, ‘VaIsiraeri havanoi vamwari vedu vakatiburitsa munyika yeIjipiti.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, ‘Ndivo vamwari venyu, imi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ”
Shona 2009?
Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, `Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti. "
Shona SUB 2002 Bible
Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibairo, vachiti, ‘Ndivo vamwari venyu, imi VaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ”