Exodus 33:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Ibva pano, kwira, iwe naʋanhu ʋawakaɓuɗisa munyika yeEgipita, muende kunyika yandakapikira Abrahama, naIsaka, naJakobo, ndiciti, ndicaipa ʋana ʋako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva panzvimbo ino, iwe navanhu vawakabudisa kubva muIjipiti uye ukwire kunyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Iwe navaIsiraeri vawakaburitsa munyika yeIjipiti, chisimukai muende kunyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho kuti ndichazopa vana vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako;
Shona 2009?
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, "Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako;