Exodus 33:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋose ʋakaʋona shoŋgwe yegore imire pamukoʋa weTente, ʋanhu ʋose ʋakasimuka, ʋakanamata pasi mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira uye vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vaiti nyandu kusumuka kana vaona shongwe yegore iyoyo yamira pamusuo wetendhe iroro, vobva vazoti pasi gwadagwa munhu woga woga ari pamusuo wetendhe rake vonamata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova weTende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake.
Shona 2009?
Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova wetende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova weTende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake.