Exodus 33:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Tarirai, makati kwandiri: Kwira naʋanhu aʋa, asi hamuna‐kundiziʋisa kuti mucatuma ani neni, kunyaŋge makati: Ndinokuziʋa nezita rako, wakawana nyasha pamberi paŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchinditaurira muchiti, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Tarirai, makati kwandiri, ‘Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,’ kunyange makati, ‘Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.’
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, "Tarirai, makati kwandiri, `Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,' kunyange makati, `Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Tarirai, makati kwandiri, ‘Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,’ kunyangwe makati, ‘Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.’