Exodus 33:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ndicaita ʋo cinhu ici cawareʋa, nokuti wawana nyasha pamberi paŋgu, ndinokuziʋa nezita rako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akapindurawo Mosesi achiti, “Zvawataura ndichaita izvozvo chaizvo ndozvandichaita nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.”
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.”